Mapisarema 59 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro unoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye.

1 Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3 Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4 Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5 Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera

6 Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

7 Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.

9 Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10 Mwari anondida achanditungamirira. uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11 Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.

12 Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13 vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera

14 Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

15 Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.

17 Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokurumbidza; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.