Mapisarema 73 BDMCS

BHUKU 3

Pisarema raAsafi.

1 Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo.

2 Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika.

3 Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.

4 Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba.

5 Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.

6 Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba.

7 Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.

8 Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.

9 Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.

10 Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.

11 Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

12 Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.

13 Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14 Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.

15 Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.

16 Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo

17 kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18 Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.

19 Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!

20 Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.

21 Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,

22 ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.

23 Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.

24 Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.

25 Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.

26 Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.

27 Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.

28 Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.