Mapisarema 88 BDMCS

Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbiro emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi.

1 Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.

2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.

4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.

5 Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.

6 Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.

7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera

8 Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;

9 meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.

10 Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera

11 Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?

12 Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13 Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14 Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?

15 Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16 Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17 Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.

18 Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.