Mapisarema 104 BDMCS

1 Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.

2 Iye anozviputira muchiedza saanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende

3 uye anogadzika matanda edzimba dzake pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo.

4 Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake.

5 Anoteya nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi.

6 Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.

7 Asi pakutuka kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa mutinhiro wenyu iyo yakatiza;

8 yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira.

9 Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika.

10 Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo.

11 Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo.

12 Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi.

13 Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.

14 Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi:

15 iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.

16 Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.

17 Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.

18 Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.

19 Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.

20 Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.

21 Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.

22 Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.

23 Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25 Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.

26 Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.

27 Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.

28 Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.

29 Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.

30 Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.

31 Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,

32 iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.

33 Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

34 Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.

35 Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.