Mapisarema 40 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2 Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4 Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha chivimbo chake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa.

6 Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva.

7 Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

8 Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”

9 Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha.

10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.

11 Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.

12 Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.

13 Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.

14 Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe.

15 Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.

16 Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!”

17 Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.