Mapisarema 34 BDMCS

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5 Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

6 Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

7 Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.

8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.

9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11 Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12 Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,

13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.

15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;

20 anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22 Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.