1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!
2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera
3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye iye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera
5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
6 Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.
7 Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.
8 Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera