Mapisarema 86 BDMCS

Munyengetero waDhavhidhi.

1 Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi.

2 Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3 Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4 Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.

5 Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

6 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.

7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura.

8 Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu.

9 Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe; dzicharumbidza zita renyu.

10 Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari.

11 Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu.

12 Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.

13 Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika.

14 Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa; boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasina hanya nemi.

15 Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.

16 Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.

17 Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi, Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.