Mapisarema 45 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa “Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.

1 Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.

2 Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.

3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo.

4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo, makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama; ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.

5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo; ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.

6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri; tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.

7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta omufaro.

8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia, zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou, kurira kwehungiso kunokufadzai.

9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa; kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.

10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.

11 Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.

12 Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.

13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.

14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.

15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.

16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose.

17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.