Mapisarema 44 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri.

1 Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare.

2 Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire.

3 Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

4 Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.

5 Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6 Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;

7 asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.

8 Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera

9 Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.

10 Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.

11 Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12 Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13 Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14 Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.

15 Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16 pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17 Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18 Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19 Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.

20 Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21 Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22 Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.

23 Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24 Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25 Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.

26 Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.