Mapisarema 109 BDMCS

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara,

2 nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.

3 Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva.

4 Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera.

5 Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6 Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.

7 Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.

8 Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.

9 Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10 Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11 Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12 Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13 Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

14 Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.

15 Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

16 Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.

17 Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.

18 Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta.

19 Ngazvive sejasi rakamonerwa paari, sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.

20 Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotakura zvakaipa pamusoro pangu.

21 Asi imi, Ishe Jehovha, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.

22 Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa, uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.

23 Ndinopera somumvuri wamadekwana; ndinozunzwa semhashu.

24 Mabvi angu apera simba nokutsanya; muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.

25 Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu; pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.

26 Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu; ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.

27 Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.

28 Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza; vachanyadziswa pavanorwisa, asi muranda wenyu achafara.

29 Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi, uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.

30 Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza.

31 Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa, kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.