Mapisarema 50 BDMCS

Pisarema raAsafi.

1 Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.

2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.

3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.

4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:

5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”

6 Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera

7 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.

8 Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.

9 Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,

10 nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.

11 Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.

12 Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.

13 Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?

14 Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

15 uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

16 Asi kuna vakaipa, Mwari anoti, “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?

17 Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.

18 Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.

19 Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.

20 Unogara uchipomera hama yako nokuitira mwanakomana wamai vako makuhwa.

21 Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.

22 “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:

23 Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”