Mapisarema 136 BDMCS

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2 Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

3 Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

4 iye oga anoita zvinoshamisa zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

5 iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

6 iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

7 iye akaita zviedza zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

8 zuva kuti ribate ushe masikati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

9 mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

10 iye akarova matangwe eIjipiti, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

11 uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

12 noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

13 iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

14 uye akayambutsa Israeri nomukati maro, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

15 asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

16 iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

17 akarova madzimambo makuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

18 uye akauraya madzimambo ane simba, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

19 Sihoni mambo wavaAmori, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

20 naOgi mambo weBhashani, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

21 akavapa nyika yavo senhaka, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

22 nhaka kumuranda wake Israeri, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

23 iye akatirangarira paurombo hwedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

24 uye akatisunungura kubva pavavengi vedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

25 uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

26 Vongai Mwari wokudenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.