16 Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.
17 Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.
18 Izvi ngazvinyorerwe marudzi amangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,
19 “Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi,
20 kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21 Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22 panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha.