10 haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
11 Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;
12 sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
13 Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
14 nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.
15 Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;
16 mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.