13 vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.
14 Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,
15 “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
16 Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;
17 uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.
18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,
19 kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.