15 “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
16 Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;
17 uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.
18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,
19 kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.
20 Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza.
21 Iye akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose,