34 Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;
35 zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.
36 Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.
37 Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.
38 Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.
39 Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku.
40 Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.