6 imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
7 Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.
8 Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kumarudzi ane chiuru,
9 sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
10 Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,
11 “Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”
12 Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,