13 Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.
14 Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.
15 Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo.
16 Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.
17 Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.
18 Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.
19 Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.