17 Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.
18 Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.
19 Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.
20 Vakatsinhanhisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.
21 Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,
22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
23 Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.