19 Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.
20 Vakatsinhanhisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.
21 Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,
22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
23 Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.
24 Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.
25 Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.