22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
23 Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.
24 Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.
25 Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.
26 Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,
27 achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.
28 Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.