31 Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
32 Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
33 nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
34 Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35 asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
36 Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.
37 Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.