2 Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.
3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.
5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.
6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.
7 Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.
8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.