10 Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
11 Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
12 Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
13 Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.
14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose.
15 Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.
16 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu.