100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.
101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.
102 Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.
103 Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
104 Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Nuni
105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
106 Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.