107 Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.
108 Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.
109 Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.
110 Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
111 Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.
112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.Sameki
113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.