109 Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.
110 Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
111 Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.
112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.Sameki
113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.
114 Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
115 Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!