112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.Sameki
113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.
114 Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
115 Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!
116 Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa.
117 Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.
118 Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.