118 Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.
119 Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema.
120 Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.Ayini
121 Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.
122 Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.
123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.
124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.