121 Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.
122 Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.
123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.
124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
125 Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.
126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.
127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,