123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.
124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
125 Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.
126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.
127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,
128 uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Pe
129 Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.