125 Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.
126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.
127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,
128 uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Pe
129 Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.
130 Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
131 Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.