136 Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.Tsadhe
137 Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.
138 Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.
139 Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.
140 Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.
141 Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.
142 Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.