140 Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.
141 Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.
142 Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.
143 Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.
144 Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.Kofi
145 Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu.
146 Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.