146 Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.
147 Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
148 Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.
149 Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.
150 Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.
151 Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.
152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.Reshi