151 Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.
152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.Reshi
153 Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.
154 Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.
155 Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
156 Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.
157 Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema.