152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.Reshi
153 Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.
154 Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.
155 Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
156 Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.
157 Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema.
158 Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu.