161 Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.
162 Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyowana zvakapambwa zvizhinji.
163 Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.
164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
165 Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.
166 Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.
167 Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru.