164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
165 Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.
166 Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.
167 Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru.
168 Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.Tawu
169 Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.
170 Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.