170 Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.
171 Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
172 Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.
173 Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.
174 Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
175 Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.
176 Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.