18 Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.
19 Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu.
20 Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose.
21 Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.
22 Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.
23 Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.
24 Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano.Dhareti