2 Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.
3 Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.
4 Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.
5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu!
6 Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.
7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.
8 Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose.Bheti