27 Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.
28 Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.
29 Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.
30 Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.
31 Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.
32 Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.He
33 Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo.