36 Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.
37 Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
38 Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.
39 Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.
40 Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.Wawu
41 Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;
42 ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.