43 Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.
44 Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri.
45 Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
46 Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi,
47 nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida.
48 Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.Zayini
49 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.