47 nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida.
48 Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.Zayini
49 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.
50 Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.
51 Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.
52 Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi.
53 Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu.