55 Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu.
56 Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu.Heti
57 Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.
58 Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.
59 Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.
60 Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu.
61 Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.