65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.
66 Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.
67 Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.
68 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.
69 Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.
70 Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.
71 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.